Revelation of John 15

Vatumwa vanomwe vane ndiro nomwe

1Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga chikuru uye chinoshamisa, vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nokuti mune awa kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa. 2Ndikaona segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, neavo vakakunda chikara nemufananidzo wacho nemucherechedzo wacho, nenhamba* yezita racho, vamire pagungwa regirazi, vane udimbwa hwaMwari. 3Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari nerwiyo rweGwayana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene. 4Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi mega mutsvene; nokuti marudzi ese achauya uye achanamata pamberi penyu; nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa. 5Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetabhenakeri yeuchapupu mukudenga; 6zvino kwakabuda vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe mutembere, vakapfeka mucheka wakachena unopenya, uye vakamonerwa pazvifuva nemabhanhire egoridhe. 7Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvikira rinhi narinhi. 8Tembere ndokuzadzwa neutsi hunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava newakagona kupinda mutembere, kusvikira matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.
Copyright information for Shona